Accessibility links

Breaking News

Maitiro aVaMugabe Otemesa VaMbeki Musoro


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, nevamwe vakuru vebato ravo vari muSouth Africa umo vari kuyedza kutaura nevakuru muhofisi yaVaThabo Mbeki, kuti vataurire VaMugabe kuti vakaramba vachiita zvehumbimbindoga, hapana achamira navo kana sarudzo dzemuna Kurume dzikaita mutauro.

Vakuru muMDC nemuSouth Africa vanoti VaMbeki vange vachida kudzokazve kuZimbabwe kuti vataure neZanu-PF neMDC, asi Zanu-PF inonzi iri kuramba ichinzvenga nzvenga. Hatina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi.

Ukuwo mutevedzeri wemutungamiri weMDC, Muzvare Thokozane Khupe, vanoti VaMbeki vanofanira kuendesa nyaya yegakava ravo neZanu-PF kuSADC, iyo yakavakumbira kuti vave muyananisi wegakakava iri.

Muzvare Khupe vari muAddis Abba, ku Ethopia, kumusangano weAU, uko vari kuudzawo hurumende dzemu Africa kuti dambudziko remuZimbabwe rikasagadziriswa, zvinhu zvinozogona kuguma zvoita kunge zviri kuitika muKenya zvekurwisana kwevanhu.

Pari zvino MDC iri kutarisirwa mukupera kwesvondo rino kunge yapeta nyaya yekubatanidza zvikwata zviviri zvayo kuti zvisakwikwidzane musarudzo. VaTsvangirai chete ndivo vari kutarisirwa kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika.

VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition.

VaRuhanya vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti zviri kuitwa neMDC zvakanaka sezvo zvichiita kuti Africa yose ione kuti VaMugabe inhinhi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG