Accessibility links

Breaking News

Free Zimbabwe Youth Yokurudzira Africa Kuti Ikomekedze VaMugabe


Sangano rakazvimirira roga re Free Zimbabwe Youth rasangana neChipiri nevamiriri venyika dzemu Africa kumusangano we African Union Summit uri kuitirwa ku Ethiopia.

Nhengo dzesangano iri dzapa vamiriri ava gwaro rine zvichemo zvadzo pamusana penyaya yesarudzo nemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe. Gwaro iri rinokurudzira hutungamiriri hwemu Africa kuti hunyatsobata nyaya yeZimbabwe musangano uyu pauchatanga zviri pamutemo nemusi weChina.

Mamwe masangano akazvimirira oga anonzi achasvika ku Adiss Ababa neChina, apo vatungamiri vemu Africa vachange vachizeya zviri kuitika muAfrica.

Mutungamiri Free Zimbabwe Youth, Va Alios Mbawara, avo vari ku Adiss Ababa, vaudza Ntungamili Nkomo weStudio7 kuti sangano ravo rinoda kuti vatungamiri vemu Africa vakurukure naVaMugabe uye kuvakomekedza kuti munyika muite sarudzo dzakachena.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG