Accessibility links

Breaking News

MDC Yokwidza  Kutsikwa Kwayo Konzi neZanu PF kuAfrican Union


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, yatumira nhumwa kumusangano we African Union, uyo uri kuitirwa muAddis Ababa ku Ethiopia. MDC inoti iri kuda kuudza nyika dzemu Africa, mamiriro akaita zvinhu munhaurirano pakati payo ne Zanu PF, idzo dziri kuyananiswa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

MDC inoti haisi kufara nezviri kuitwa naVaMugabe, avo vasiri kuremekedza zviri kubvumiramwa munhaurirano idzi. SADC yakakumbira VaMbeki kuti vaite mutongi gava pagakava riripo pakati pe MDC ne Zanu PF. Kunyange hazvo musangano weAfrican Union uri kukurukura kubudirira kwe Africa munyaya dzemaindindasitiri, MDC inoti iri kuda kuti vatungamiri venyika dzemu Africa, vazive chokwadi chiri kuitika muZimbabwe. Musangano uyu wakatanga musi wa 31 Ndira, uye unopera musi wa 2 Kukadzi.

MDC iri kumiririrwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Muzvare Thokozane Khupe, pamwe nemunyori anoona nezve kudyidzana nedzimwe nyika mubato iri, Professor Eliphias Mukonoweshuro. Muzvinafundo Mukowehuro vanoti bato ravo rasvitsa nyaya yegakava pazuva resarudzo kumusangano uyu, sezvo VaMugabe vakatara zuva resarudzo, kutaurirana pakati peMDC ne ZANU-PF kuchiri kuenderera mberi.

Masangano akazvimirira oga kuchamhembe kwe Africa, anonzi ari kukurudzirawo African Union kuti imanikidze VaMugabe kuti vaite sarudzo dzakachena munyika mavo, pasina kutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naProfessor Mukonoweshuro kuti tinzwe hurongwa hwebato ravo kuEthiopia?

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG