Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa Vanoti Bumbiro reMitemo Richaitwa Sarudzo Dzapera


Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vanoti bumbiro remitemo yenyika richatonyorwa chete kana sarudzo dzemuna Kurume dzapera. VaChinamasa vanoti hurumende haisi kuzotevedzera zviri kutaurwa neMDC, iyo iri kuda kuti bumbiro remitemo yenyika, rinyorwe sarudzo dzisati dzaitwa.

Asi munyori mukuru weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti, pamwe nemunyori mukuru weMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaWelshman Ncube, vanoti mashoko aVaChinamasa aya haana maturo, uye anoratidza kuti Zanu-PF haina kuzvipira panhaurirano dziri pakati pamapato maviri aya. Nhaurirano idzi dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

Kunyange hazvo VaBiti vati nhaurirano hadzisati dzasvika hadzo kwamvura yacheka makumbo, VaNcube vanoti nhaurirano idzi dzakundikana zvachose, kana vachitarisa zviri kuitwa neZanu-PF.

Sachigaro weNCA, Doctor Lovemore Madhuku, vaudza mutori wenhau dzeStudio7, Blessing Zulu, kuti MDC ngaisiyane nesarudzo idzi sezvo dzakatobirwa kare neZanu PF dzisati dzamboitwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG