Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inotara Zuva Resarudzo Dzemuna Kurume


Hurumende yazivisa kuti sarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika, nhengo dzeparamende pamwe nemakanzura, dzichaitwa musi wa 29 Kurume.

Izvi zvinoreva kuti sarudzo idzi hadzisi kuzopfuudzirwa mberi sezviri kudiwa nebato re MDC. Kutarwa kwezuva resarudzo kwaratidzawo kuti VaMugabe havasi kuzodzokera kumashure panyaya yesarudzo idzi.

Mutori wedu wenhau, Thomas Chiripasi, anoti gore rino sarudzo dzichange dzichiitwa pamwe chete kwezuva rimwe chete, zvichitevera kuvandudzwa kwechikamu chebumbiro remitemo yenyika, kana kuti Constitutional Amendment Bill Number 18.

Tichiri panyaya iyi, mumiriri wemu Mutare Central muparamende , uye vari Chief Whip we MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaInnocent Gonese ,vanoti zvaitwa nehurumende zvinoratidza kuti iri kungoda kuita zvinhu zvinoputsa nyika.

VaGonese vanoti VaMugabe havafanirwe kutara zuva resarudzo, kutaurirana panyaya iyi kuchiri kuenderera mberi pakati peMDC neZANU-PF.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaGonese kuti tinzwe pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG