Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, neChina vakasangana nevamiriri venyika dzemuAfrica nemuEurope vachivasumawo nemamiriro akaita zvinhu munyika.
VaTsvangirai vakaudzawo nhumwa idzi kuti bato ravo riri kuzoenderera mberi nekuratidzira, kunyange hazvo vakambovhiringidzwa nemapurisa neChitatu.
Mutaurira weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti VaTsvangirai vati havasi kuzopinda musarudzo dzinoratidza kuti dzingangobirwa.
Zvichakadaro, gurukota rezvematunhu muSouth Africa, Vasydney Mufamadi, avo vanova sachigaro wenhaurirano pakati peZanu-PF neMDC dziri kutungamirirwa naVaThabo Mbeki, vakapinda munyika neChitatu. Zvinonzi vaMufamadi vari kuedza kumutsiridza nhaurirano pakati pe MDC neZanu PF.
Vane ruzivo nezviri kutika vanoti mutongi gava pagakava iri, VaThabo Mbeki vakatuma VaMufamadi kuti vayedze kuti mapato maviri aya ataurirane VaMbeki vasati vakwidza nyaya iyi kuSADC Organ on Politics and Defence.
Mapato maviri aya haasi kuwirirana panyaya yezuva resarudzo uye panyaya yebumbiro remitemo idzva.
MDC inotiwo hurumende yeZanu-PF haisi kutevedza zviri kuwiriranwa munhaurirano idzi.
Muzvare Teressa Mugadza, avo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, vaudzawo mutori wenhau Blessing Zulu kuti havaoni VaMbeki vachibuda nechouviri.