Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yekuti Vari Kunze Kwenyika Vavhote Yotsviriridza


Vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vanoti hurumende yaVaMugabe inofanirwa kuvapa mukana wekuti vavhote musarudzo dzose dzinoitwa munyika. Pfungwa idzi dzinouya apo nyika yatarisana nesarudzo idzo dzinonzi dzichaitwa muna Kurume.

Vari kunyanya kuita kurudziro iyi vari muSouth Africa, Britain, neAmerica. Vari muSouth Africa nemuBritain vanonzi vari kuratidzira munyika dzavari vachiti ikodzero yavo yekuti vavhote vari munyika dzavari, sezvo paine zvisungo zviri pasi peSADC Guidelines and Democtratic Elections, zvinosungira Zimbabwe kuzvitevedza.

Asi hurumende iri kutsika madziro ichiti hapana mukana wekuti vari kunze kwenyika vavhote musarudzo idzi.

Manheru eChipiri, nhengo dzeMDC muNorth America Province, nevamwewo vanoda kutaura pfungwa dzavo panyaya iyi, vari kuita musangano vari panhare, kana kuti tele-conference. Musangano uyu ndewe kuzeya zviri kuitika pakugadzirira sarudzo dzemunyika.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaCharles Mutama, mumwe wevari kuita kurudziro yekuti vari kunze kwenyika vakwanise kuvhota, avo vanoti vari kunze kwenyika, vane kodzero yekuvhota.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG