Accessibility links

Breaking News

Matambudziko Ari Muzvikoro Oshaisa Vabereki neVarairidzi Hope


Kunyange hazvo zvikoro zvakavhurwa neChipiri, vabereki vakawanda vachiri kungotemwa nemusoro nenyaya yemari yedzidzo.

Mari dzechikoro dzakakwidzwa nezvikamu mazana matanhatu kubva muzana, kana kuti 600%, kana kutodarika.

Vabereki vakawanda vari kunetsekana kuwana mari mumabhanga. Vamwe vana vakawanda nevadzidzisi havasati vasvika kuzvikoro sezvo pasina chekufambisa nekushaikwa kwemafuta.

Nekuda kweOperation Dzikisai Mitengo, mbatya dzechikoro dziri kushaikwa, ukuwo zvimwe zvikoro zviri kuti vana vauye nezvekudya zvavo, pamwe nekutengerwa mabhuku nevabereki vavo.

Vakuru vanoti nhamo haibvi pane imwe. Varairidzi vari kukandawo mapadza pasi, vachiti mari dzavari kutambiriswa ishoma.

Mukuzeya dambudziko rakatarisana nevabereki, Blessing Zulu weStudio 7 ataura naVaSteven Motsi, avo vane mwana ari paKwenda Mission mudunhu re Mashonaland East, pamwe nasachigaro weAssociation of Trust Schools, VaJameson Timba.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG