Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri VaBishop Bakare Voshungurudzwa muAnglican Church


Munyori mukuru weGeneral Agricultural and Plantation Workers Union of Zimbabwe, Amai Gertrude Hambira, vanoti vakambochengetedzwa nemapurisa neSvondo vakazoregedzwa kwapera maawa akati kuti.

Amai Hambira vakatorwa nemapurisa mushure mekunge vaonekwa vachitora mifananidzo yevanhu vaita mhirizhonga yakaitika pakati pevatsigiri VaBishop Nolbert Kunonga naBishop Sebastian Bakare pa St Marys’ Anglican Church muHarare.

Vatsigiri vaVaKunonga vanonzi vakapinda nechisimba muchechi iyi neSvondo, izvo zvisiri kufarirwa nevanhu vakawanda muchechi iyi. VaKunonga vakadzingwa muchechi ye Anglican, asi vari kuramba kubva pahutungamiri, uho hwakapihwa Bishop Bakare. Zvinonzi vanhu vari kutsigira Bishop Bakare vari kusungwa nemapurisa pose pavari kuratidza kuti havasi kutambira Bishop Kunonga, kana vatsigiri vavo muchechi iyi.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro na Amai Hambira kuti tinzwe kuti chii chakaitika kuti vazochengetedzwa nemapurisa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG