Accessibility links

Breaking News

Justice Makarau Voyambira Vachakonzera Mhirizhonga Panguya Yesarudzo


Kutongwa kwemhosva dzemumatare edzimhosva kwavhurwa neMuvhuro zviri pamutemo nemutungamiri wevatongi vematare edzimhosva, Mai Rita Makarau. Vachitaura pakuparurwa kwekutongwa kwemhosva mumatare makuru gore rino, Mai Makarau vati matare edzimhosva achashanda nesimba, kuitira kuti munyika muve nerunyararo munguva dzesarudzo.

Mai Makarau vati matare edzimhosva achaomesera zvikuru vanhu vanoita zvemhirizhonga, pamwe nekutadzisa sarudzo kufamba zvakanaka. Vaenderera mberi vachiti mapato ezvematongero enyika anofanirwa kusiyana nenyaya yemvongamupopoto, iyo inogara ichiitika munguva yesarudzo.

Mai Makarau vabatawo zvekare nyaya yehuori vachiti mapurisa, zvikuru eku Traffic Section, ava kuita mabasa ehuori munyika, izvo vati zvinofanirwa kupera zvachose. Mai Makarau vatiwo nepamusana pekusabhadharwa mari inokwanirana nehupenyu hwevatongi, matare ava nevatongi vashoma, sezvo vazhinji vavo vari kusiya basa vachinotsvaga mafuro manyoro.

Vatiwo izvi zviri kupa kiti pave nenyaya dzakawanda dzisati dzatongwa. Va Aleck Muchadehama igweta ranga riri ku High Court apo yanga ichivhurwa.

Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukuro naVa Muchadehama kuti tinzwe maonero avo pamashoko ataurwa naMai Makarau.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG