Accessibility links

Breaking News

PTUZ Yodzungudza Musoro Pamihoro Yakwidzwa ne1000%


Hurumende inonzi yakawedzera mari dzinotambirwa nevarairidzi nezvikamu chiuru kubva muzana, kana kuti 1000 % kutanga mwedzi uno.

Mari iyi inonzi ichauya muzvikamu zviviri, chimwe chidimu chemari iyi chiri kutarisirwa kupihwa varairidzi svondo rino kana kutanga kwesvondo rinouya, chimwe chidimbu chichizopihwa varairidzi ava kupera kwemwedzi.

Murairidzi mutsva anenge otambira $150 million pamwedzi. Mari dzekubatsirika dzinonzi dzakwirawo kusvika pa$78 million pamwedzi, uye mari idzi hadzibatirwe mutero. Varairidzi vakanga vazivisa hurumende muna Mbudzi wegore rapera, kuti kana vasina kuwedzerwa mari dzavanotambira kusvika pa$316 million pamwedzi, vaizoramwa mabasa panovhurwa zvikoro neChipiri svondo rinouya.

Hurumende isati yawedzera mari idzi ne1000 % mwedzi uno, varairidzi vainge vatobuda pachena vachiti vava kuda kuti vatambiriswe $526 million pamwedzi.

Mutungamiri weZIMTA, Amai Tendai Chikowore, vati havakurukuri pamhepo nezvemari dzinotambirwa nevarairidzi, uye vatiwo vachagara pasi svondo rinouya kuti vawirirane zvavanoda nenhengo dzesangano ravo.

Asi sangano rePTUZ rinoti mari iyi ishoma zvikuru kunhengo dzaro, sezvo zvinhu zviri kuramba zvichikwira mitengo.

Munyori wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vachazivisa hurumende nezve zvido zvavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG