Accessibility links

Breaking News

ZESN Yobuditsa Gwaro Remamiriro Akaita Zvinhu Munyika Pakugadzirira Sarudzo


Gwaro rabuditswa neZESN, pamusoro pegadziriro yesarudzo, rinoratidza kuti munyika manga musina mhirizhonga yakanyanyo wanda pakati paMbudzi naZvita uye mapato anopikisa atanga kutsvaga rutsigiro kupfuura zvaaimboita.

Mugwaro ravo re Pre-Election Update , ZESN inoti mapato eMDC neZANU-PF arikuoekwa achiita misangano munyika mese zvisina zhowezhowe.

Asi ZESN irikushoropodza hurumende ichiti hurongwa hwekutara miganhu nevoters registration hazvina kufambiswa zvakanaka. ZESN inoti ZANU-PF irikushandisa zvinhu zvehurumende zvisiri pamutemo kuti itsvage rutsigiro.

Sangano iri rinoongorora sarudzo rakazvimirira roga, rinoti zvakare vanhu vachiri kuvhundutsirwa uye vashandi vanochengetedza nyika vakanyanyo rerekera kune bato reZANU-PF.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naSachigaro veZESN, Va Noel Kututwa, ndokutanga nekuvabvunza kuti pane zvingaitwe here kupikisa hurongwa hwedelimitation hwakaitwa ne Zimbabwe Electoral Commission.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG