Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kusungazve veMabhizinesi


Hurumende inogonazve kutanga chimwe chirongwa chekumanikidza vemabhizimisi kuderedza mitengo, sezvo zvinhu zviri kuramba zvichikwira.

Asi vakuru muhurumende vanoti dare remakurukota harisi kutenderana panyaya iyi. Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi vari kutsigira chirongwa ichi kunyange hazvo gavhuna weRBZ, VaGideon Gono, vari kuti zvimbomiswa.

Sachigaro weNational Incomes and Pricing Commission, VaGodwills Masimirembwa, vanoti vatoendesa kumapurisa mazita emakambani ari kutyora mutemo.

Nepamusana pekudhura kwezvinhu, munhu ave kuda mamiriyoni maviri emadhora pazuva yemichovha kupinda muguta kubva kuMasasa Park nedzimwe nzvimbo dziri pedyo neguta.

VaMasimirembwa vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio kuti havasi kuzorega vemabhizimisi vachiita madiro ajojina pamitengo.

Ukuwo mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce, Amai Marah Hativagone, vaudzawo Blessing Zulu kuti ichokwadi kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG