Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti 2008 Ichaomera Veruzhinji


Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika nevanhuwo zvavo, vanoti gore ra2007 range rakaoma zvikuru munhoroondo yeZimbabwe.

Masangano anoongorora nyaya dzekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu anoti mugore rapfuura vanhu vakawanda vakatochwa uye kurohwa nemapurisa ne maCIO.

Nemaomero aita zvinhu, vanhu vakawanda vakaziya nenzara sezvo muzvitoro mainge musina zvekudya. Mune zvehutano, vana chiremba navana mukoti vakapedza nguva yakareba vachiratidzira, vasingarape varwere. Asi vakawanda vanoti matambudziko aya ari kubva panyaya yezvematongerwo enyika.

Nekudaro pange paine chivimbo chekuti muna 2008, nyaya iyi ingangogadziriswa kuburikidza nenhaurirano dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Aafrica, VaThabo Mbeki, poitwawo sarudzo dzakachena.

Asi MDC inoti haisi kuona nhaurirano idzi dzichibudirira. Ko gore rino richange rakamira sei?

Mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu aita hurukuro naTheressa Mugadza gweta uye achiongorora nyaya dzezve matongerwo enyika, pamwe naProfessor John Makumbe, nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika avo vatenderana kuti zvakaoma kuti zvinhu zvishanduke.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG