Accessibility links

Breaking News

Vanhu Zviuru Gumi Vanoparadzirwa Misha Nemafashanu


Mafashanu anonzi ari kupararira munyika izvo zvaita kuti vanhu vanosvika zviuru gumi, vatize mumisha yavo munzvimbo dzakasiyana siyana.

Mamwe mashoko anoti vanhu vanosvika makumi matatu vakauraiwa nemafashanu aya, asi Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende nezvehuwandu hwevanhu vafa pari zvino.

KuMuzarabani, mhuri dzinodarika chiuru, dzakaparadzirwa misha masvondo maviri apfuura, vanhu vatatu vakafa. Mafashanu aya anonzi avhiringawo vanhu vekuChipinge, Masvingo, Victoria Falls nedzimwe nzvimbo dziri munzvimbo dzakaderera.

Mai Esther Okwanga, ndivo mutevedzeri wemutungamiri anoona nezvedunhu reSouthern Africa mu International Federation of Red Cross and Red Crescent Societies (IFRC) sangano riri kubatsirana nehurumende mudambidziko iri.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naMai Okwanga kuti tinzwe kuti zvinhu zvakamira sei munzvimbo idzi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG