Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Stock Exchange Inoita Mashura mu2007


Bepanhau reHerald rinoti Zimbabwe Stock Exchange yakaita mashiripiti mugore ra 2007, kunyange hazvo zvinhu zvakanga zvasina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.

Zimbabwe Stock Exchange inonzi yakakura zvakapetwa kudarika mazana matatu ezviuru kubva muzana. Kambani iyi inoti yakakura ne 322, 111 000 percent gore rapera.

ZSE ine makambani makumi masere ari kuisa mari yawo pamusika uyu. Makambani aya anoita mabhizinesi munyaya dzekurima, mighodhi, kugadzira zvinhu, kutenga pamwe nekutengesa zvinhu.

Zvinonzi ZSE inopa mari inenge yaberekwa pamusika uyu kumbani aya nemari dzisingamedzwe ne inflation.

VaDaniel Makina inyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vanodzisa zvidzidzo zve Banking and Finance pa UniVersity of South Africa

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMakina kuti tinzwe kuti sęyi makambani akawanda ari kuisa mari yawo mu Zimbabwe Stock Exchange.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG