Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti VaGono Vari Kutadza Kuita Basa Ravo Nemazvo


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vashora zvikuru gavhuna weRBZ VaGideon Gono, vachiti vari kutadza kuita basa ravo nemazvo. VaTsvangirai vanoti nyaya yemari ikaramba ichinetsa, vanhu vanofanira kuratidzira.

Mutungamiri weMDC uyu atiwo VaGono vanofanirwa kuferefetwa panyaya yemari iri kunetsa kuwana munyika. Izvi zvinoteverawo kurudziro yeZimbabwe Lawyers for Human Rights, iyo inoti VaGono vanofanira kuongororwa, pamwe nemapurisa ari kuita zvehuori panyaya yemari.

VaGono mbune vanoti kana paine anofunga kuti vari kuita zvehuori ngaavamhang’arire kumapurisa.

VaTsvangirai vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vanhu havafanire kuramba vakapeta maoko avo VaGono vachitadza basa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG