Accessibility links

Breaking News

Shanduko Shoma Yakaitika Munyaya Dzezvematongerwo Muna 2007


Gore ra2007 rasvika kumagumo, apo nyika iri kufanirwa kunge iri mushishi rekugadzirira sarudzo dzegore rinouya. Asi gadziriro yesarudzo idzi, inonzi haisi kunyatsobudiswa pachena sezvo pachine zvizhinji zviri kuda kugadziriswa.

Gore iri, rakatanga nenzira isina kunaka zvichitevera kurohwa zvakaipisisa kwakaitwa nhengo dze MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, pagungano rekunamatira nyika mu Highfield, izvo zvakazoita kuti mutungamiri weTanzania, VaJakaya Kikwete, vadaidzire musangano weSADC, wekuzeya zviri kunetsa mu Zimbabwe.

Zvikamu zvemitemo inechekuita nesarudzo zvakashandurwa, kubudikidza nehurukuro dziri pakati peZANU-PF ne MDC, asi vanoongorora nezvesarudzo idzi, pamwe nemasangano akazvimirira oga, varikutsoropodza zviri kubuda muhurukuro idzi, vachiti zvibvumirano izvi, hazvisikubatsira veruzhinji munyika, pakugadzirira sarudzo idzi.

Mutori wenhau dzeStudio7, Carole Gombakomba, anotipa zvizere pamusoro pezvakaitika mugore ra 2007 munyaya dzematongerwo enyika.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG