Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neHIV/AIDS Vanoti 2007 Yanga Yakavaomera Zvikuru


Gore ra2007 igore rinonzi ranga rakaomera vanorarama neHIV/AIDS, sezvo mitengo yemaARVs, yakaramba ichikwira zuva nezuva.

Kunyange hazvo hurumende ichinziwo yakaedza napose payaikwanisa napo kubatsira vanorarama nehutachiwana, vanhu vakawanda vakaramba vachishayiwa mishonga iyi. Vanhu vakawanda vairarama nehutachiwana vanonzi vakarasikirwa nehupenyu zvichitevera kukundikana kwavo kuwana rubatsiro nguva iripo.

Mukuperawo kwegore, nyika yakatarisana nematambudziko ekushaikwa kwemari munyika, izvo zviri kuomesera vanorarama nehutachiwana uhu, sezvo mari yavanowana kumabhanga, isingakwani kutenga mishonga inodiwa pamwedzi, iyo inonzi yava kusvika kuma$300 million pamwedzi.

Mutungamiri weZNPP+ VaBenjami Mazhindu, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mugore ra2008 vanotarisira kuti hurumende ichawedzera rubatsiro rwayo uye bhanga guru renyika reRBZ, richaonawo kuti nhengo dzavo dzawana mari yekutenga mishonga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG