Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vomirira Mapato Ose Anopikisa Musarudzo dzeMutungamiri weNyika?


Bato reMDC rinotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti pane kubvumirana pakati pemapato anopikisa kuti VaTsvangirai vave ndivo vanokwikwidzana chete naVa Robert Mugabe musarudzo dzegore rinouya. Bato iri riri kukurudzira kubatana kwemapato ose anopikisa nechinangwa chekubvisa VaMugabe pachigaro.

Asi vebato re MDC rinotungamirwa naVa Arthur Mutambara vanoti kunyange hazvo vachiwirirana nedanho rekubatana iri, hapana zvavati vanzwa kubva kune divi raVa Tsvangirai panyaya iyi. Mutevedzeri wemutauriri webato iri, Va Abednico Bhebhe, vaudza Studio 7 kuti pamusangano weNational Executive wavakaita musi wa 18 December vakabvumirana kuti munyori mukuru webato iri, VaWelshman Ncube, vanga vachazogara pasi nemunyori mukuru wekwaVaTsvangirai, VaTendai Biti, kuti vasimudzire nhaurirano idzi.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri webato rinotungamirwa naVa Tsvangirai. VaChamisa vaudza Brenda Moyo weStudio 7 kuti pari zvino havakwanise kubuda pachena vachitaura kune voruzhinji zvese zvavari kuronga, vachiti vachataura kana nharurirano nemamwe mapato dzapera uye panyoreranwa chibvumirano.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7..

XS
SM
MD
LG