Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Hapana Chekufarira Kirisimasi


Mabhanga muHarare neChipiri haana kuteerera kurudziro ye RBZ yekuti avhure pakirisimasi kuitira kuti vanhu vakwanise kutora mari dzavo. Dambudziko rekushaya mari riri kuenderera mberi apo veruzhinji vatanga zororo rekisimusi.

Zvinonzi vanhu vanga vakamira mumitsetse pama ATM muHarare vachida kutora mari dzavo.

Nyanzvi munyaya dzezve hupfumi, VaNhlanhla Nyathi vaudza mutori wenhau Patience Rusere kuti VaGono vakundikana kuita basa.

Kushomeka kwemari, zvekudya, mvura uye kudzimwa kwemagetsi, kwapa kuti kirisimasi yegore rino, ive imwe yakaomera vazhinji zvisina mukare akamboona.

Mutungamiri weIMF munyika, VaRobert Sharer, vanoti hupfumi hweZimbabwe hwaenda kumawere sezvakange zvaita Germany kare pakazoondomoka hupfumi wenyika iyi zvachose.

Mashoko ava Sharer anotevera ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezvehupfumi dzemuIMF, idzo dzange dziri muZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaJohnson Masvosva, avo vanoshanda kuTexas vaudza mutori wenhau weStudio 7, Blessing Zulu, kuti vanhu vakawanda vari kunonga svosve nemuromo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG