Accessibility links

Breaking News

Vemakereke Vokurudzira Tariro Muvanhu Panguva yeKisimusi


Panguva iyo vanhu vazhinji vari kugunu’nuna nemamiriro akaita zvinhu munyika, vamwe vatungamiri vemakereke vanoti vari kuparidza shoko retariro kune vatendi panguva yekisimusi.

Mutungamiri we Evangelical Fellowship of Zimbabwe, Bishop Trevor Manhanga, mumwe wevafundisi musangano reEcumenical Peace Initiative, vari kutora matanho ekuedza kutauraurirana naVaMugabe, nezvematambudziko ari munyika. Bishop Manhanga vanoti vari kuona chiedza, zvichitevera nhaurirano dziri pakati peZANU-PF neMDC, pamwe nekunaya kuri kuita mvura.

VaManhanga vanoti kunyange hazvo vazhinji vari kutadza kupembera panguva yekisimusi, sezvaisimboitika, vanhu vachiri kudaira zvikuru kuti mwari achaita kuti matambudziko ari munyika apere.

Pastor Lawrence Berejena, inhengo ye Christian Alliance, uye vari mutevedzeri waSachigaro veZimbabwe National Pastors' Conference - Harare Province.

Muhurukuro yavaita nemutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , Pastor Berejena vanotiwo kunyange hazvo shoko retariro rakakosha, vari kushushikana nekutambura kuri kuita vanhu panguva yekisimusi, pamwe nemuhupenyu hwavo zuva nezuva.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG