Accessibility links

Breaking News

Mafashanu ekuMuzarabani Osiya Vanhu Chiuru Vasina Dzimba


Vanhu vanodarika chiuru vanonzi havasisina pekugara zvichitevera kukukurwa kwakaitwa misha yavo nemafashanu akaitika kuMuzarabani.

Bazi re hurumende re Civil Protection Unit pamwe nemasangano akazvimirira oga, akaita se International Federation of Red Cross and Red Crescent Societies (IFRC), ari kushanda pamwe chete mukuedza kubatsira mhuri dzakaparadzirwa misha yadzo nemafashanu aya.

Zvipfuyo, zvirimwa, midziyo, dzimba, nezvimwewo zvinhu zvinonzi zvakaparadzwa pakanaya mvura zvinotyisa svondo rapera.

Nzvimbo dzakanyanyo vhiringwa ndedzekwa Mhako, Kanyanya, Makombe ,Gunduza, Bvondora, Chadereka.Vagari vekwaChiwenga, Chimoyo neKairezi var ikutyirwawo kuti vakavhiringwawo nemafashanu aya.

Sangano re Red Cross rinoti pari zvino raisa mari inosvika US$235 000 parutivi, yekubatsira mhuri idzi, asi rinoti dambudziko iri rikaramba richienderera mberi, vachaisa chikumbiro kune dzimwe nyika kuti dzibatsirewo.

Bazi re Metorological Services rinoti mafashanu aya anogona kudzoka zvakare mukati memasvondo maviri anotevera.

Mutori wenhau we Studio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro nemutevedzeri wemutungamiri anoona nezvedunhu rekuchamhembe kweAfrica musangano re IFRC, Mai Esther Okwanga, kuti tinzwe zviri kuitika panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG