Bato reMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, rinoti rakazvipira kubatana nemamwe mapato pamwe nemasangano akazvimirira oga, mukuedza kubvisa VaMugabe pachigaro musarudzo dzegore rinouya.
Bato iri rinoti rinotambira hurongwa huri kuda kuitwa nebato reMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, hwekuda kuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa, uye ragara rakazvipira kare kuita izvi.
Asi bato iri rinoti rinoshora nzira iri kutorwa nebato raVaTsvangirai panyaya iyi, yekutanga razivisa vemapepanhau nedzinhepfenyuro vasati vavasumawo nezvehurongwa uhu.
Mutauriri weMDC yaVaMutambara, VaGabriel Chaibva, vfaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti bato ravo richatangira parakasiira pakamboedzwa kubatanidzwa mapato maviri aya.