Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Nhaurirano dzeMDC neZanu PF


MDC inotungamirwa naVaTsvangirai inoti Zanu PF iri kuramba kutambira zviri kuda kuti zvishandurwe, kusanganisira kuti paumbwe bumbiro remitemo yenyika idzva sarudzo dzisati dzaitwa.

Zvizhinji zvezvinhu zviri kutarisirwa neveruzhinji kuti zvishandurwe nenhaurirano idzi hazvisati zvashanduka. Pava nemibvunzo yekuti zvinokodzera here kuti nhaurirano idzi dzienderere mberi izvo zvinhu zvakamira kudai.

Tatsvagawo pfungwa dzevanoongorora zvematongerwo enyika, VaPedzisayi Ruhanya, avo vanoshanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, pamwe naVaTakavafira Zhou, mudzidzisi paMasvingo State University, uye vari mutungamiri weProgressive Teachers' Union of Zimbabwe.

Vaviri avavaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti havaoni nhaurirano idzi dzichiburitsa chimuko chingatarisirwa neruzhinji rweZimbabwe, sezvo VaMugabe vakatozivisa kare kuti sarudzo dziri kuitwa muna Kurume.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG