Accessibility links

Breaking News

MDC Yozeya Mashoko Ava Mugabe Panyaya Yesarudzo


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti haitambiri zvakanaka mashoko aVaMugabe ekuti sarudzo dzichaitwa muna Kurume kunyange zviite sei, sezvo hurukuro dziri kutungamirwa naVa Thabo Mbeki, dzichiri kuenderera mberi.

Zvisinei mamwe mashoko anoti hurukuro idzi hadzisi kufamba zvakanaka, nepamusana pekusawirirana panyaya yezvine chekuita nesarudzo.

Muhurukuro yavaita na nemutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , mutevedzeri wemutauriri weMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti bato ravo harisati ragutsikana kuti munyika mungaitwe sarudzo dzakachena muna Kurume gore rinouya, nemamiriro akaita zvinhu pari zvino.

Ukuwo mutauriri we MDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, Va Gabriel Chaibva vanoti hurukuro dziri kufamba zvakanaka chose uye varamba mashoko ari mubepanhau re Zimbabwe Independent ekuti munyori mubato iri, VaWelshman Ncube, vakaramwa vakabuda muhurukuro idzi svondo rino.

Va Chaibva vaudza Carole Gombakomba weStudio 7 kuti bato ravo harinei nekuti sarudzo dzachaitwa riini, asi kungoti chete vanoda kutanga vaona kuti gadziriro iri kufamba zvinovagutsa here.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG