Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero Dzevanorarama neHIV/AIDS Vonetsana Panyaya yeZNNP+


Sachigaro veZimbabwe National Network of People Living with HIV/AIDS, kana kuti ZNNP+, VaBenjamin Mazhindu, varamba kuti sangano ravo rapatsanuka, sezviri kutaurwa mubepanhau reHerald.

Bepanhau iri rinoti ZNNP+ yapatsanuka nekuda kwekupindira kuri kuita vanhu vakaita saVaMunyaradzi Gwisai, vaimbomirira Highfied muparamende, uye vari mutungamiri we sangano re International Socialist Organisation kana ku ISO, naVaRaymond Majongwe, munyori wesangano reProgressive Teachers Union kana kuti PTUZ.

Nyaya iyi inonzi yakatanga pakaratidzira vamwe vanorarama neutachiwana hweHIV, apo nyika yaicherechedza World AIDS Day. Studio7 haina kukwanisa kubata VaMunyaradzi Gwisai, mumwe weavo vari kupomerwa mhosva yekupindira munyaya dzeZNNP+, kuti tinzwewo dzivi ravo panyaya iyi.

Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba abata VaMazhindu naVaMajongwe kuti tinzwe zviri kuitika.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG