Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yotsika Madziro Panyaya yeBumbiro Idzva Remitemo Yenyika


Mashoko atiri kutambira anoti nhaurirano pakati peMDC neZanu-PF dziri kutarisirwa kuenderera mberi kupfuura musi weMugovera, padzange dzichitarisrwa kuti dzingangopera.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nyaya yebumbiro remitemo yenyika ndiyo yamisa zvinhu zvose.

Zanu-PF inoti bumbiro remitemo ngariitwe papera sarudzo, ukuwo MDC ichiti hapana chibvumirano chinganyoreranwe pasi kana pasati paitwa bumbiro remitemo idzva.

VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition.

VaRhanya vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti Zanu-PF yagara haidi bumbiro remitemo idzva.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG