Accessibility links

Breaking News

America Inopa Mubairo Sangano Remagweta Anorwira Kodzero Dzevanhu


Sangano reZimbabwe Lawyers For Human Rights, ZLHR, rakapihwa neMuvhuro mubayiro wechiremerera we Freedom Defenders Award nebazi re State Department yehuremende yeAmerica.

Mukuru anoona nezve kunze kweAmerica, Muzvare Condoleezza Rice, ndivo vakapa mubayiro uyu kuna Executive Director vesangano iri, Va Arnold Tsunga. Sangano reZLHR rava nemakore gumi rechirwira kodzero dzevanhu vanenge vasungwa, kana kuchengetedzwa nemapurisa. Nhengo dzesangano iri dzinogara dzakanetswa pamwe nekushungurudzwa nemapurisa apo dzinenge dzichiita basa radzo.

ZLHR yakakwidzawo nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu kuAfrican Commission on Human and People’s Rights, izvo zvakapa kuti hurumende yeZimbabwe, ishorwe neACHPR. Hurumende yeAmerica inopa mubayiro weFreedom Defendrs Award gore rega rega, panguva iyo pasi rose rinenge richicherechedza zuva reInternational Human Rights Day.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG