Accessibility links

Breaking News

Germany Inotsutsumwa neMashoko eZimbabwe eKunyomba Mutungamiri Wayo


Hurumende yeGermany neChipiri inoti yakashevedza mumiriri weZimbabwe munyika iyi, VaCuthbert Zhakata, kumahofisi ayo kuti ivaudze kusafara kweGermany nemashoko egurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaSikhanyiso Ndlovu, ekuti mutungamiri weGermany, Mai Angela Merkel, munhu anoita rusarura rwakapfurikidza.

Izvi zvinotevera kushoropodzwa neGermany kwakaitwa hurumende yeZimbabwe kumusangano we EU-AU Summit kuPortugal neMugovera neSvondo.

Amai Merkel vakati hurumende yeZimbabwe iri kutyora kodzero dzevanhu uye nyika dzose dzinofanira kuishoropodza.

Germany haina kukwanisa kutaura naVaZhakata sezvo vange vasiri munyika iyi.

VaInnocent Sithole inyanzvi munyaya dzekudyidzana kwenyika uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika.

VaSithole vaudza mutori wenhau dzeStudio7, Blessing Zulu, kuti zvakaitwa naVaNdlovu hazvina hunhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG