Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeWOZA Dzoramba Kubvisa Faindi  kwaMutare

Nhengo dze WOZA dzinosvika makumi maviri dzakasungwa neChina kwaMutare mushure mekuratidzira. Vanhu vakasungwa vanosanganisirawo mutevedzeri wemutungamiri weWOZA, Amai Magodonga Mahlangu.

Madzimai gumi nemasere vanonzi vakaburitswa muhusungwa mushure mekubvisiswa faindi. Amai Mahlangu neimwe nhengo ye woza, Mai Clara Majengwa, vanonzi vakaramba kubvisa faindi, vachiti vainge vasina kupara mhosva.

Vaviri ava vaendeswa kudare redzimhosva neChishanu, asi nyaya yavo haina kupinda mudare, sezvo vanonoka kusvika kudare iri.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro neimwe nhengo yeWOZA, Muzvare Nolwandle Ncube, kuti tinzwe zviriu kutika panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio Seven...

XS
SM
MD
LG