Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokonzera Mutauro kuPortugal


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakasvika muPortugal neChina kumusangano weEU-Africa Union summit. Asi sekuvimbisa kwavo, mutungamiri wehurumende yeBritain, VaGordon Brown, havana kuenda kumusangano uyu vachiti havangagare patafura imwe naVaMugabe avo vanoti vari kutyora kodzero dzevanhu.

Vamwe vanoti zvakanaka kuti VaMugabe vaende kumusangano uyu, sezvo zvichipa vamwe vatungamiri venyika kuti vavatsiure pameso pavo kuti vari kupinda nemwenje mudziva.

Asi vamwe vanoti kuvakoka kutovapesvedzera, sezvo vave kuzvidududza vachiti vakwanisa kuenda kuportugal kunyange hazvo vakatemerwa zvirango neEU.

Muhurukuro yedu, mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 aita hurukuro naProject cordinator weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaJacob Mafume, pamwe naVaSdney Chisi, veYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG