Accessibility links

Breaking News

ZEC Yotara Miganhu Yematunhu Achamirirwa Muparamende


Zimbabwe Electoral Commission, inoti yatotanga basa rekugadzirira kutara miganhu yema constituencies, pakugadzirira sarudzo dzegore rinouya.

Kumashoko avo kuvatori venhau neChina, sachigaro ve ZEC, VaGeorge Chiweshe, vati sangano ravo ratotanga kutara miganhu yema ward pamwe nema constituencies, zvisineyi nekuti mapato eMDC ari kupokana nemamiriro akaita voter's roll.VaChiweshe vanonzi vati havangamiri kuita basa iri, sezvo kuchema chema uku, kwangogara kuripo.

Musarudzo idzi kuchange kwave nema constituencies mazana maviri ane gumi nerimwe, kubva pazana nemakumi maviri. Izvi zvinoreva kuti matunhu anovhoterwa kupinda muparamende achange awedzerwa nemakumi mapfumbamwe. Zvisineyi, hazvisati zvanyatsozivikanwa kuti miganhu iyi ichatarwa sei.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, Va Gabriel Chaibva, vaudza mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba kuti ZEC iri kuita basa rayo sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Ukuwo MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, iri kunyunyuta ichiti izvi zvinofanirwa kumbomiswa, sezvo bhiri rekushandura mutemo wesarudzo, risati ratambirwa kuve mutemo, uye hurukuro dzichiri kuenderera mberi pakati pavo neZANU-PF.

Muzvare Thabitha Khumalo, ndivo mutevedzeri wemutauriri webato iri.

Muhurukuro yavaita na Carole Gombakomba weStudio7, Muzvare Khumalo vanoti bato ravo haricherechedzi basa riri kuitwa ne ZEC iri.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG