Accessibility links

Breaking News

MDC Inoita Musangano Wekuzeya Nhaurirano Dzayo neZanu PF


Apo hurukuro dzeMDC neZanu PF dzatanga zvakare kuSouth Africa, bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai raita musangano neChitatu wekuzeya hurukuro idzi. Hurukuro idzi dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

Musangano weChitatu uyu wapindwa nenhengo dzeNational Executive, asi Amai Theresa Makone, avo vanozviti ndivo sachigaro mutsva weWomen’s Assembly, havana kupinda mumusangano uyu.

Bato iri ratara zvarati zvinofanirwa kugadziriswa munhaurirano idzi, izvo zvinosanganisira bumbiro remitemo idzva, kuumbwa kweZimbabwe Electoral Commission uye nyaya ye voters roll.

MDC inoti ichaita musangano weNational Council musi wa16 Zvita wekuzeya zvinenge zvawiriranwa nevamiriri vebato iri munhaurirano dzavo neZanu PF.

Mutauriri webato iri, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti musangano wemusi wa16 Zvita ndiwo uchabuda nezvisungo zvekuti vopinda here kana kuti kwete musarudzo dzegore rinouya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG