Accessibility links

Breaking News

VaMwanawasa Vanoti VaMugabe Ngavatsuurwe


Zvizvarwa zveZimbabwe zviri mu United Kingdom zvicharatidzira muLisbon ku Portugal pamwe nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kubva kune dzimwe nyika. Sekutaura kuri kuita Sandra Nyaira ari muLondon, kuratidzira uku kwakanangana nekusafarira mutungamiriri wenyika, Va Robert Mugabe, avo vachange vari kumusangano wenyika dzemu European Union pamwe ne African Union.

Kunyange hazvo nyika zvinhji dzekumavirira dziri kuti VaMugabe havafanirwe kunge vari pamusangano uyu, gurukota remu Portugal rinoona nezvinoitika munyika dziri mu Europe, VaManuel Lobo Antunes, vanoti zviri nani kuti VaMugabe vabvumidzwe kuuya kumusangano uyu, pane kuvashora vasiri pamusangano uyu. VaAntunes vanoti kana VaMugabe vari pamusangano uyu, zvinoita nyore kuti vatungamiri vedzimwe nyika, vaudze VaMugabe zvavanofunga maererano nehutongi hwavo.

Ukuwo mutungamiri weZambia, VaLevy Mwanawasa, vakaudza bepanhau re The Post kuti mutungamiri we Britain, VaGordon Brown, vanofanirwa kuramba vachitsiura VaMugabe, nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe.

VaPedzisai Ruhanya ndivo Senior Programs Manager musangano re Crisis In Zimbabwe Coalition, uye vachiongorora zvematongerwo enyika.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaRuhanya kuti tinzwe mafungiro avo pane zviri kuitika panyaya yaVaMugabe nemusangano wekuLisbon.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG