Gurukota rezvemari, VaSamuel Mumbengegwi, neChina vakaparura bhajeti yenyika yegore rinouya muparamende. VaMumbengegwi vanoti hupfumi huchakura nezvikamu zvina kubva muzana, 4%. Reuters yaburitsa nyaya inoti hurumende ichashandisa $7 840 trillion gore rinouya.
VaMumbengegwi vatiwo inflation iri kutarisirwa kudzika kubva pa8,000% pairi iko zvino, kusvika pa 1, 978% gore rinouya. Vatizve mari yekutenga zvekudya ichakwira zvakapetwa kaviri kubva pamadhora US$178 million kusvika pamadhora US$405 million.
VaMumbengegwi vati vanhu vanenge vasisabatirwe mari yemitero kana vachitambira mari iri pasi pe $30 million dollars pamwedzi.
Mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce Amai Marah Hativagone vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio7 kuti havana kufara kuti hapana kuturwa nyaya yekuderedza huremu hwedhora. Ukuwo munyori mukuru muMDC VaTendai Biti vaiudza Blessing Zulu kuti zviri pachena kuti hurumende yakundikana.