Accessibility links

Breaking News

Mai Misihairambwi Mushonga Vochinja Zvavakataura Panyaya Yenhaurirano


MDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara yaramba mashoko ekuti iri kufadzwa nezvose zviri muhurukuro dziri pakati payo neZANU-PF sezviri kutaurwa nevamwe vavo.

Bato iri rinoti kunyange hazvo vose vari kugunu’nuna nezvimwe zviri kuitika muhurukuro idzi, patafura yenhaurorano idzi, hapana bato rati rataura kuti rave kuda kubuda muhurukuro idzi, sezviri kutaurwa neMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai.

NeChipiri, MDC inotungamirwa naVaTsvangirai yakati ingangobuda munhaurirano neZANU-PF idzo dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

Vamwe vakuru mubato iri vakaudza Studio 7 kuti havasi kufara nekuti ZANU-PF haina zvairi kubvuma pakuvandudzwa kwemitemo yesarudzo uye mamiriro akaita zvinhu munyika panyaya dzemhirizhonga.

Ukuwo mutevedzeri wemunyori mukuru muchikwata chaVaMutambara, Mai Priscilla Misihairambwi Mushonga pachavo, vakaudza Studio7 svondo rapera kuti nhaurirano dziri kufamba zvakanaka, uye vakati hapana zvimhingamupinyi zvavaisangana nazvo munhaurirano idzi. Asi neChitatu, Mai Misihairambwi Mushonga vakati vanhu vakanga vovaisira mazwi mumukanwa panyaya yenhaurirano, vachiti chikwata chavo hachisi kufara nezvimwe zvinhu zvavari kusangana nazvo munhaurirano neZanu PF.

Carole Gombakomba weStudio 7 aita hurukuro naMai Misihairambwi Mushonga kuti tinzwe pavamire chaipo.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG