Accessibility links

Breaking News

Britain Yoramba Yakaomesa Musoro Pakadzosera Zvizvarwa zveZimbabwe


Magweta ari kumirira zvizvarwa zveZimbabwe zvakanyimwa hupoteri muBritain, ari kusangana neChitatu kuti vazeye mutongo wakapihwa neChishanu.

Mutongo uyu unosungira hurumende yeBritain kuti idzosere kuZimbabwe vose vakanyimwa hupoteri. Mutauriri webazi rinoona nezve mukati me Britain, uyo asina kuda kudomwa nezita rake, anoti anofara kuti dare re Asylum and Immigration Tribunal rakabuda nemutongo wakadai, nokuti Britain inoda kuchengeta vanhu vakashungurudzwa zvechokwadi.

Zvinonzi Britain itori mubishi kudzosera vanhu kuZimbabwe. VaSimba Muzenda igweta rinomirira vanotsvaga hupotere muBritain.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza VaMuzenda kuti vanofungei nezvetaurwa nemutauriri webazi rinoona nezve mukati meBritain.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG