Accessibility links

Breaking News

Amai Ncube-Mazibuko Vanoburitswa Muhusungwa

Mukuru weMiss Rural Zimbabwe, Amai Sipho Ncube-Mazibuko, avo vakasungwa nemusi weMugovera vachipomerwa mhosva dzekusabhadhara mari dzemahotera uye kusvibisa zita remutungamiri weZimbabwe Tourism Authority, VaKarikoga Kaseke, varegererwa masikati eChipiri mushure mekunge mapurisa ashaya nyaya dzavanga vachipomerwa.

Bepanhau reHerald rakati Amai Ncube-Mazibuko vanonzi vakanga vatadza kubhadhara mari inoita $160 million kuRainbow Towers, $200 million kuNew Ambassador Hotel neinopfuura $500million kuHoliday Inn.

Asi Amai Ncube-Mazibuko vati zvakanyora neHerald manyepo, uye hapana munhu anosungirwa kutadza kubhadhara chikwereti, sezvo paine matanho agona kutorerwa munhu anenge akundikana kubhadhara mari dzaanenge achipomerwa kuti atadza kubhadhara.

Amai Ncube-Mazibuko vati pane vanhu vane hutsinye vakaita saVaKaseke, vari kuda kusvibisa zita ravo. Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaKaseke panyaya iyi.

Asi Amai Ncube-Mazibuko vaudza Jonga Kandemiiri we Studio 7 kuti vachambozorora vasati vaona kuti matanho api avangatorera VaKaseke.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG