Accessibility links

Breaking News

MDC Yoti Ingangobuda Muhurukuro


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti ingangobuda munhaurirano neZanu-PF idzo dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

Vamwe vakuru mubato iri vaudza Studio7 kuti havasi kufara nekuti Zanu-PF haina zvairi kubvuma kuvandudza panyaya yesarudzo uye mamiriro akaita zvinhu munyika panyaya dzemhirizhonga. Vanoti hapanazve kugadziriswa nyaya yeZimbabwe Electoral Commission kuti izvimirire, uye kugadzirisa gwaro revavhoti.

Asi chimwe chikwata cheMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara chinoti chiri kufara nemafambiro enhaurirano idzi. Zanu PF inoti VaTsvangirai vari kufurirwa neve kunze kuti vabude munhaurirano.Asi mashoko aya arambwa neMDC.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe naVaMbeki vange vachida kuti panyoreranwe chibvumirano mukutanga kwaZvita pasati paitwa musangano we EU-Africa Union summit kuPortugal. Chibvumirano ichi changa chakanangana nekuda kushandiswa naVaMbeki kuudza musangano we EU-AU kuti Zanu PF neMDC dziri kuwirirana.

VaMugabe vataura kuMozambique neChipiri kuti vari kuenda kumusangano weEU-AU. Ukuwo mutungamiri weBritain, VaGordon Brown, vasimbaradzawo mashoko avo ekuti havasi kuzoenda kana VaMugabe vakaendawo kumusangano uyu.

Kunyange hazvo paine makakatanwa aya, nhaurirano dziri kuenderera mberi, asi dzichambomira neChina sezvo paramende inenge yosangana pachaturwa bhajeti yegore rinouya.

VaErnest Mudzengi ndivo National Director veNCA.

VaMudzengi vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti havachaziva kuti MDC iri kufunga zvipi sezvo ichingogara ichiti iri kuda kubuda musarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG