Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZanu PF Dzinomiswa Pamberi Pedare kwaMutoko


Nhengo dzeZanu PF mbiri dzinonzi dzamiswa pamberi pedare kwaMutoko Muvhuro masikati, zvichitevera kutema kwadzakaita nematombo motokari yeMDC neMugovera usiku.

Vaviri vamiswa pamberi pedare ava, avo vanoti VaGift Katanha naVaRodgers Saidi, vabhadhariswa mari yechibatiso inoita $15 million pamunhu, uye vanzi vadzoke mudare musi wa21 mwedzi unouya.

Vamiswawo zvakare mudare rimwe chetero ndiVaEnjias Asili nevangonzi VaMazarura veMDC avo vakasungwawo usiku hweMugovera vachipomerwa mhosva yekurova zvakaipisisa nhengo dzeZanu PF dzakaputsa motokari yebato ravo.

Zvinonzi nhengo dzeZanu PF dzanga dzichiimba nekuridza ngoma dziri panze pedare dzichitsigira vamwe vadzo.

MDC yakaita musangano paChikondoma Business Centre kwakare kwaMutoko neMugovera, uyo unonzi wakapindwa nevanhu vakawanda kwazvo.

Munyori wezvekufambiswa kwemabasa muMDC muMashonaland East, VaPiniel Denga, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti zvinokatyamadza kuti mhirizhonga nekutyisidzirana zviri kuenderera mberi, idzo nhaurirano pakati pebato ravo neZanu PF dziri pakati kuSouth Africa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG