Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yofora neChishanu Ichitsigira VaMugabe


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabvuma kutambIra kurudziro yevamwe vavo mubato yekuti sachigaro wevaimbove varwiri vehondo yerusununguko, VaJabulani Sibanda, vasatungamire vanhu vanenge vachifora vachitsigira kuti VaMugabe vave ivo chete vanofanirwa kutungamira nyika.

Panga pave nemakakatanwa anotyisa pakati pechikwata chinotungamirwa nevaimbove mukuru wemauto, Retired General Solomon Mujuru, vachitsigirwa nevakuru vaimbove nhengo dze PF ZAPU, avo vanga vachishora VaSibanda.

Vakuru ava vanoti VaSibanda vainge vofamba vachivanyomba, uye munhu akadzingwa mubato nenyaya ye Tsholotsho Declaration. Zvinonzi VaMugabe vaimbenge vatsika madziro, asi iko zvino vazobvuma kuti Zanu-PF Harare Province, ichibatsirwa nehofisi yavo, itungamire muhurongwa hwe Million Man March.

Vatsigiri veZanu-PF vari kutarisirwa kuenda kumusangano uyu neChishanu, uye VaMugabe vachazotaura nevanhu ava kuZimbabwe Grounds.

VaSibanda vanoti hapana chavangaita kunze kwekutevera zvido zvebato ravo.

VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezve matongerwo.

VaMpani vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe vabvuma nenyaya yekuda kutsvaga rutsigiro rwevamwe vavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG