Accessibility links

Breaking News

Zvakaitwa naVaSmith Vachiri Vapenyu Zvozeyiwa


Vaimbova mutungamiri wehurumende yeRhodesia kubva muna 1965 kusvika muna 1979, VaIan Douglas Smith, vakashaikira kuCape Town South Africa nemusi weChipiri. Vazhinji vanoti vaiziva VaSmith semunhu aiva nerusaruraganda rwusina mukare akamboona.

Mashoko avo akarwadza vanhu vakawanda ndeekuti munhu mutema haaizotonga Zimbabwe mumakore chiuru aitevera. VaSmith vakazvipa rusununguko kubva kuBritain muna1965 uye izvi ndizvo zvakapa kuti hondo yeChimurenga yechechipiri isimbaradzwe kubvisa VaSmith pachigaro.

Vanhu vakawanda vakafa pTembwe, Nyadzonya nepaChimoi uye mumasango ari munyika munguva yehondo. Asi kune vamwe, VaSmith aiva munhu mutsvene. Vamwe vakaita saVaDidymus Mutasa vanoti zviri nani kunyarara nyaya iyi sezvo ichiunza ndangariro dzisina kunaka muvanhu.

Asika vakuru vanoti hatifaniri kukanganwa chazuro nehope, ukuwo vamwe vachiti afa anaka. Vamwewo vanoti hutongi hwaVaMugabe hauna hawo kunyanyosiyana nehwaVaSmith. Mimwe mitemo yakadzikwa naVaSmith ichiri kushandiswa naVaMugabe kudzvinyirira vanhu, uye vanhu vakawanda vari kutiza munyika, nepamusana pehutongi hwaVaMugabe, kudarika zvakaitika munguva yaSmith.

Kuti tizeye nyaya yerufu rwaVaSmith urwu, mutori wenhau dzeStudio7, Blessing Zulu, aita hurukuro nemuimbi ane mukurumbira munyika, Doctor Thomas Mukanya Mapfumo pamwe naVatakura Zhangazha vanova nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG