Accessibility links

Breaking News

Komiti Yeparamende Yonzwa Zvichemo Zvavadzidzi VepaUZ


Nhumwa dzevadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe dzakasangana muHarare neChina nekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo dzichisvitsa zvichemo zviri kunetsa vadzidzi, kusanganisirawo nyaya huru yepekugara iyo yanetsa pachikoro apa.

Kubva pakavharwa dzimba dzekugara pachikoro apa muna Chikunguru, vadzidzi vatatu vakafa nenzira dzisina kutsarukana, uye vamwe vave kugara hupenyu husina kunaka.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezve dzidzo, uye vari nhengo yeparamende yeMDC inomirira Chitungwiza, VaFidelis Mhashu, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti komiti yavo ichasvitsa gwaro rezvichemo izvi kuparamende kuti patorwe matanho.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG