Kunyange hazvo mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Bbeki vaishanya munyika neChina vachiyedza kuyananisa Zanu PF ne MDC, pane nhengo dzeNCA makumi maviri nembiri dzakaitwa kafiramberi mushure mekuratidzira muHarare.
Nhengo dzeNCA dzakarohwa zvakaomarara kumuzinda weZanu-PF Harare Province. Izvi zvakatevera kuratidzira kwenhengo dzeNCA dzinodarika mazana mana, idzo dzainyunyuta dzichiti hadzisi kufara nekuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika.
Kuratidzira uku kwakazovhiringidzwa nemapurisa uye vanofungidzirwa kuti ndevesangano revasori nevechidiki veZanu-PF, avo vakazotevera nhengo dzeNCA kuMarket Square ndokudzipamba uye kudzirova zvakaipisisa paZanu-PF Provincial Headquarters.
Nhengo dzeNCA gumi neimwe dziri muchipatara pari zvino. Vamwe vakarohwa ndivaMelusi Sikhosana.
VaSikhosana vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vakarohwa pasi petsoko.
Zvichakadaro mhirizhonga iri kuitika muMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, yakapa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mukana wekuburitsa pachena mhirizhonga iri kuitika mubato iri.
Vachipindura mubvunzo kuvatori venhau, VaMugabe vakati vanodavira kuti VaTsvangirai, avo vakaudza vatori venhu ku Uganda kuti vanoda kuti hurumende yaVaMugabe imise zvemhirizhonga, vakataurawo nezviri kuitika mubato ravo.
Mashoko aVaMugabe anotevera kurohwa kwakaitwa nhengo dze Women’s Assembly yeMDC svondo rapera, dzichinzi dziri kutsigira Amai Lucia Matibenga.
Pamhirizhonga iyi, pakarohwavo vatori venhau vaviri. Pane makakatanwa muMDC zvichitevera kubviswa pachigaro kwaMai Matibenga, vachitsiviwa nekomiti inotungamirwa naAmai Theresa Makone, iyo yakasarudzirwa muFast Climbers Restaurant yemutevedzeri wemutungamiri weMDC, Muzvare Thokozane Khupe. Asi Mai Matibenga, vachitsigirwa nenhengo dzakawanda dzeNational Executive, vanoti ndivo vachiri sachigaro we Women’s Assembly.