Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anosunga Nekurova Nhengo dzeN-C-A Dzanga Dzichiratidzira muHarare


Nhengo dzeNCA ina dzasungwa muHarare apo mazana matatu enhengo idzi dzanga dzichiratidzira kusafarira kwadzo kuvandudzwa kwebumbiro remitemo, Constitutional Amendment Number 18.

Zvinonziwo nhengo dzinosvika nomwe dzakuvara zvakaipisisa apo mapurisa abvundura kuratidzira uku.

Sachigaro wesangano iri, Doctor Lovemore Madhuku, vashora zvikuru mabatirwo aitwa nhengo dzavo nemapurisa.

Sachigaro wevechidiki muNCA, VaAlois Dzvairo, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vacharamba vachiratidzira kusvika paumbwa bumbiro idzva remitemo yenyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG