Accessibility links

Breaking News

Hurukuro Pakati peMDC neZanu-PF Dzotarisirwa Kupera Muna Zvita


Mapato eMDC neZanu-PF ave kutarisirwa kupedza nhaurirano muna Zvita kana zvikafamba zvakanaka. Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, ndivo vakasarudzwa neSADC kuva mutongi gava panyaya iyi.

Nhaurirano idzi dzatanga muSouth Africa neChitatu uye dzinonzi dzakabatabata nyaya yezvemamiriro akaita nyaya dzezve matongerwo enyika. Asi panonzi paita mhute nekuti MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai iri kuti inogona kubuda musarudzo dzegore rinouya kana Zanu-PF ikasavandudza zvavanenge vabvumirana.

VaSydney Masamvu vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda ne International Crisis Group.

VaMasamvu vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti VaMbeki vari kuda kupedza nyaya iyi nekuchimmbidza sezvo vamwe venyika dzekunze vamira negumbo rimwe kuti nyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG