Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Haina Mari Yekupa Vatongi Vedzimhosva Vari Kuramwa Mabasa


Hurumende yakazivisa neChina kuti haina mari yekupa vatongi vemumatare amejasitiriti nevachuchisi, avo vari kuramwa mabasa.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru mubazi rezvemitemo, VaChisingapere Chaitezvi, vakaudza komiti yeparamende inoona nezvemitemo kuti hurumende haina mari yekupa vari kuramwa mabasa ava.

Vatongi nevamwe vanoshanda pasi pebazi rezvemitemo, vakatanga kuramwa mabasa kutanga kwemwedzi uno vachida kuti vawedzerwe mari dzavanotambira. Kuramwa mabasa uku kunonzi kwapararirawo mumatunhu manomwe emunyika zvichitevera kupindirawo kwakaita vashandi vekuMashonaland West.

Mapurisa nemauto akadzidzira zvemitemo, ndivo anonzi ari kubatsira vatongi vakuru vari kutonga mhosva pari zvino. Zvinonziwo nyaya dzakawanda hadzisi kunzwikwa mumatare.

Doctor Lovemore Madhuku inyanzvi munyaya dzemitemo, uye vari midzidzisi wezve mitemo mubazi rePublic Law paUniversity of Zimbabwe.

Doctor Madhuku vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti manyepo kuti hurumende haina mari, asi kuti chete haisi kutora nyaya yevatongi iyi zvine udzamu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG