Accessibility links

Breaking News

Mari Yekushandisa Munyika Yonetsa Kuwana kuMabhanga


Munyika munonzi maita dambudziko rekushomeka kwemari yekushandisa sezvo mabhanga mazhinji ari kunzi haana mari yakakwana.

Vanhu vanonzi vari kuswera vari pamitsetse vachiedza kutora mari yavanobvumirwa pazuva, asi vanenge vakwanisa kuwana mari, vari kuzopiwa shoma shoma, isiri yavanenge vachida. Munhu ava kukwanisa kutora mari inoita $20 million pazuva, kwotiwo makambani $40 million pazuva.

PamaATM, munhu anonzi anokwanisa kutora $8 million pazuva, asi nguva zhinji panenge pasina mari yacho.

Nyanzvi mune zveupfumi, VaNhlanhla Nyathi, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti dambudziko iri rinogona kunge riri kukonzerwa nefungidziro yekuti VaGono vanganorasa mamwe mazero, zviri kuita kuti vanhu vasaendese mari dzavo kumabhanga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG