Accessibility links

Breaking News

MDC Yoita Musangano weChimbichimbi neSvondo


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vadaidzira musangano wevatungamiri vematunhu ose mubato ravo, uyo uchaitwa neSvondo. Musangano uyu uchapindwa navana sachigaro vematunhu madiki (districts) zana nemakumi maviri, vana sachigaro vematunhu makuru (provinces) gumi nemaviri, vana sachigaro vebazi rezve chidiki, bazi remadzimai, pamwe nema organizing secretaries ose ari mubato iri. Asi chinangwa chemusangano uyu hachisi kunyatsozivikanwa.

Zviri kufungidzirwa kuti VaTsvangirai vari kutsvaga nzira dzekugadzirisa chimiro chebato ravo, pamwe nekuzeya nyaya dzakaita sekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, nezvimwe zviri kubuda kuhurukuro dziri kutungamirwa naVaThabo Mbeki.

Zviri kufungidzirwawo kuti nyaya yeWomen’s Assembly, ichataurwa nezvayo, asi National Organising Secretary veMDC, Engineer Elias Mudzuri, vanoti havana chokwadi kuti nyaya iyi ichazeiwa pamusangano uyu.

Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naEngineer Mudzuri nezvemusangano wavo wechimbichimbi uyu.

Mune imwewo nyaya, mukuru wevashandi muMDC, VaToindepi Shonhe, pamwe neavo vanoti vachakwikwidza musarudzo dzemubato kuti vamirire MDC muBuhera North musarudzo dzenhengo dzeparamende gore rinouya, VaJulius Magarangoma, vakarohwa zvakaipisisa pamuzinda wemauto, Defence House, neChitatu manheru. Vaviri ava, sekutaura kuri kuita Irwin Chifera, vanoti vakaroverwa nyaya yekusvibisa zita remauto pamwe nekupaka motokari yavo pedyo nemahofisi emauto muHarare.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG